1 Samuel 22

Dhavhidhi paAdhuramu napaMizipa

1Dhavhidhi akabva kuGati akatizira kubako reAdhurami. Hama dzake uye neveimba yababa vake vakazvinzwa, vakaburuka vakaenda ikoko kwaakanga ari. 2Vose vaitambudzika kana kuti vaiva nezvikwereti, kana vainyunyuta vakaungana kwaari uye akava mutungamiri wavo. Varume vanenge mazana mana vakanga vanaye.

3Kubva ipapo Dhavhidhi akaenda kuMizipa muMoabhu akati kuna mambo weMoabhu, “Ungatendera here baba vangu namai vangu kuti vauye kuzogara newe kusvikira ndaziva zvandichaitirwa naMwari?” 4Saka akavasiya kuna mambo weMoabhu, ivo vakagara naye nguva yose yakagara Dhavhidhi munhare.

5Asi muprofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi, “Usagara munhare. Enda kunyika yeJudha.” Saka Dhavhidhi akabva akaenda kusango reHereti.

Sauro anouraya Vaprista veNobhi

6Zvino Sauro akanzwa kuti Dhavhidhi navanhu vake vakanga vawanikwa. Uye Sauro akanga akabata pfumo muruoko rwake, akagara pasi pomuti womutamarisiki pachikomo cheGibhea, uye vabati vake vose vakamira vakamupoteredza. 7Sauro akati kwavari, “Inzwai, imi varume veBhenjamini! Ko, mwanakomana waJese achakupai imi mose minda neminda yemizambiringa here? Ko, achakuitai imi mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here? 8Ndizvo here zvaita kuti imi mose murangane kundimukira? Hakuna anondiudza nguva inoita mwanakomana wangu sungano nomwanakomana waJese. Hakuna kana mumwe wenyu ane hanya neni kana anondizivisa kuti mwanakomana wangu akarunzira muranda wangu kuti andivandire, sezvaanoita nhasi.”

9Asi Dhoegi muEdhomu, uyo akanga amire navaranda vaSauro, akati, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika kumba kwaAhimereki mwanakomana waAhitubhi paNobhi. 10Ahimereki akamubvunzira kuna Jehovha; akamupazve mbuva uye nomunondo waGoriati muFiristia.”

11Ipapo mambo akatuma nhume kumuprista Ahimereki mwanakomana waAhitubhi uye nokumhuri yose yababa vake, avo vakanga vari vaprista paNobhi, vose vakauya kuna mambo. 12Sauro akati, “Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubhi.”

Akapindura akati, “Ndiri pano, ishe wangu.”

13Sauro akati kwaari, “Seiko mandirangana, iwe nomwanakomana waJese, uchimupa chingwa nomunondo uye nokumubvunzira kuna Mwari, zvokuti andimukira uye anondivandira, sezvaanoita nhasi?”

14Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose akatendeka saDhavhidhi, mukuwasha wamambo, mukuru wavarindi venyu uye anokudzwa kwazvo mumba menyu? 15Ko, ndiro rakanga riri zuva rokutanga here randakamubvunzira kuna Mwari? Zvirokwazvo kwete! Mambo ngaarege kupa mhosva muranda wenyu kana mumwe upi zvake wemhuri yababa vake, nokuti muranda wenyu haana kana chaanoziva pamusoro penyaya iyi yose.”

16Asi mambo akati, “Zvirokwazvo uchafa, Ahimereki, iwe nemhuri yose yababa vako.”

17Ipapo mambo akarayira varindi vaiva padivi pake akati, “Tendeukai muuraye vaprista vaJehovha, nokuti naivowo vatsigira Dhavhidhi. Vaiziva kuti akanga achitiza, asi havana kundiudza.”

Asi varanda vamambo vakanga vasingadi kusimudza ruoko kuti vauraye vaprista vaJehovha.

18Ipapo mambo akarayira Dhoegi akati, “Iwe, tendeuka uuraye vaprista.” Saka Dhoegi muEdhomu akatendeuka akavauraya. Pazuva iroro akauraya varume makumi masere navashanu vakanga vakapfeka efodhi yomucheka. 19Akaparadzawo Nobhi, guta ravaprista, navarume varo navakadzi, navana navacheche, nemombe dzaro, mbongoro namakwai.

20Asi Abhiatari, mwanakomana waAhimereki, mwanakomana waAhitubhi, akapunyuka akatiza akandobatana naDhavhidhi. 21Akaudza Dhavhidhi kuti Sauro akanga auraya vaprista vaJehovha. 22Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari “Zuva riya, Dhoegi muEdhomu paakanga aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo aizoudza Sauro. Ndini ndaurayisa baba vako nemhuri yavo yose. 23Gara neni; usatya; munhu ari kutsvaka mweya wako anotsvaka nowanguwo. Uchagara wakachengetedzeka kana uneni.”

Copyright information for SnaBDSC